1.Mugabe usambozvinyengedza
upenyuhu ndiMwari
Mugabe usambozvinyengedza
upenyuhu ndiMwari
Chorus:Tanga tiinana Mobutu chaiwo wakafa zvakadaro
Tanga tiinana Mobutu chaiwo wakafa zvakadaro
2.Vakuru musambozvifurira makore aya ndiMwari
Ndati musambozvifurira makore aya ndiMwari
Chorus :Tanga tiinana Sani Abacha wakafa zvakadaro
Tanga tiinana Sani Abacha wakafa zvakadaro
3.Sekuru musambozvinyengedza imvi idzi ndiMwari
Idi musambozvinyengedza imvi idzi ndiMwari
Chorus:Tanga tiinana Idi Amini wakafa zvakadaro
Tanga tiinana Idi Amini wakafa zvakadaro
4.Musharukwa musambozvifurira Ivhu iri ndiMwari
Sekuru musambozvifurira minda iyi ndiMwari
Chorus:Tanga tiinana Ian Smith wakabva zvakadaro
Tanga tiinana Ian Smith wakabva zvakadaro
5.Mugabe usambozvinyengedza Zimbabwe ndiMwari
Ndati usambozvinyengedza
Zimbabwe ndiMwari
Chorus:Tanga tiinana Said Barre wakafa zvakadaro
Tanga tinaana Said Barre wakafa zvakadaro
6.Gire usambozvifurira mucheno uyu ndiMwari
Gire usambozvifurira mucheno uyu ndiMwari
Chorus:Tanga tiinana Emelda Marcos wakabva zvakadaro
Tanga tiinana Emelda Marcos wakabva zvakadaro
7.Amai musambozvinyengedza kudada uku kuchapera
Amai musambozvinyengedza kudada uku kuchapera
Chorus: Tanga tiinana medhemu chaiwo wakafa zvakadaro
Tanga tiinana medhemu chaiwo wakafa zvakadaro
8.Taita musambozvifurira izwi iri ndiMwari
Taita musambozvifurira izwi iri ndiMwari
Chorus:Tanga tiine vashauri chaiwo wakafa zvakadaro
Tanga tiine vashauri chaiwo wakafa zvakadaro
9.Mutape usambozvinyengedza dzimba idzi ndiMwari
Mutape usambozvinyengedza dzimba idzi ndiMwari
Chorus:Tanga tiina vambozha chaiwo wakafa zvakadaro
Tanga tiina vambozha chaiwo wakafa zvakadaro
10.Mugabe usambozvinyepera
Zimbabwe ndiMwari
Mugabe sambozvinyepera
Zimbabwe ndiMwari
Chorus:Tanga tiine mikono sewewo yakafa zvakadaro
Tanga tiine madictator sewewo yakafa zvakadaro |